Psalms 77

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi.

1Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire;
ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.
2Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe;
panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti,
uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

3Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera;
ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera
4Makakonesa meso angu kutsinzina;
ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
5Ndakarangarira mazuva ekare,
makore ekare kare;
6ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku.
Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,

7“Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here?
Haachazombonzwiri ngonizve here?
8Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here?
Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera
9Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here?
Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”

10Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi:
makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”
11Ndicharangarira mabasa aJehovha;
hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.
12Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,
uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.

13Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene.
Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
14Muri Mwari anoita zvishamiso;
munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
15Noruoko rwenyu rune simba,
makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera

16Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari,
mvura zhinji yakakuonai ikatya;
kwakadzika chaiko kwakabvunda.
17Makore akadurura mvura,
kumatenga kwakaunga nokutinhira;
miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri,
kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika;
nyika yakadedera ikadengenyeka.
19Gwara renyu rakapinda nomugungwa,
nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji,
kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.

20Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai
noruoko rwaMozisi naAroni.
Copyright information for SnaBDSC